notebook_red

Chiratidzanguva (Tense sign)

Zviito zvinoitika nenguva sokuti arikuba zinoreva kuti chiitiko ichi chekuba chirikutoitika panguva iyoyo tichizvisiyanisa nokuti akaba kana kuti achaba. Kunewo zviito zvisinga nguva mazviri:

Zviito zvinemadonzvo anoti: rekutuma (imperative mood), rekuita (infinitive mood) nerekurudziro ( hortative mood). Heinoi mienzaniso:

kutamba (rekuita)

ngatidyei (kurudziro)

iba (rekutuma)

Pazviito zvinenguva mazviri chiratidzanguva chinobatanidzwa nechichiratidzamuiti sokuti:

ti-cha-b-a

va-no-end-a

mu-cha-dzok-a

Pamuenzaniso iri pamusoro iyi /ti/, /va-/ na/mu-/ zvitaridzamuiiti.

Mhando dzezvitaridzanguva

a) /-a-/ chiratidzanguva chezvabva kuitika. Zvinhu zvirikutaurwa nezvazvo zvinenge zvaitika pazuva iroro kubva kuvamba kwaro asi zuva racho rinenge richigere kupera. Sokuti.

Ndaenda makuseni.

Vaenda izvozvi.

b) /-aka-/ Chiratidzanguva chezvaitika. Izvi zvinhu zvinenge zvaitika zuva richichangopfuura zvichidzoka kumashure. Sokuti:

Dhora rakadonha.

Takaenda nezuro.

/-de-/ (Kururimi reChiKorekore) sokuti:

Mbavha idepfa payakapfuriwa nepfuti.

/-ka-/ anogonawo kushandiswa sokuti: Vakaenda nezuro.

c) /-no-/ chiratidzanguva chezvinogaroitika. Sokuti:

Vanogara vachirova amai.

Ndinonzi Rudo.

Ndinoda kugara mudhorobha.

VechiKorekore vanoshandisawo /-ne-/ sokuti: Tisikana tinetamba tegani.

d) /-cha-/ Chiratidzanguva chezvichaitika. sokuti:

Vachaenda mangwana.

Achabva kwaarikugara ikoko.

e) /-o-/ chiratidzanguva chezvava pedyo kuitika. Sokuti:

Zvanga zvoda kunaka manje.

Toenda zvedu here?

f) /-ai-/ na/-i-/ Chiratidzanguva chezvaigaroitika. Sokuti.

Aigara kwaChirumhanzu.

Vaidya nyama chete.

g) /-nga-/ Chitaridzanguva chezvinogona kuitika. Sokuti:

Ndingamumhan’arira kumapurisa akazviedza.

Tingatoenda tose kumba kwenyu iyezvino.

h) /-chi-/ Chiratidzanguva chezvanga zvichiitika. Sokuti:

Ndavaona vachitenga motokari.

Takavasiya vachirwisana nevamwe varume.

VeChiKorekore vanoshandisawo /-si-/ Sokuti:

Vanga vasirovana.

Ziva kuti chiratidzanguva chinobatana nechiratidzamuiti sokuti:

ta -ka-                                                takadya

ti-no-                                                  tinoenda