notebook2

Madonzo echiito (moods of the verb)

Chiito chimwe chete chinogona kureva zvakasiyana zvichienda nekushandiswa kwachinenge chaitwa. Siyano inenge iri pachiito iyi inonzi donzo kana kuti mood yechiito ichi. Kune madonzo echiito akawanda muChiShona sekuratidzwa kwakaitwa pazasi:

1. Donzo rokuita (infinitive mood)

a) Baba ndivo vari kurwara.

b) Vana vanofanira kudzidza nesimba.

c) Vakomana vari kuda kuenda kumba.

Donzo rekurudziro (hortative mood)

a) Ngaitishandei nesimba vakomana.

b) Iwe, ngaataure ega zvaakaita!

c) Ngatimbonamatirei varwere panguva ino.

3. Donzo rekwaniso (potential mood)

a) Angangobudirira pazano rake.

b) Mukaramba muchimutuka angangozviuraye.

c) Dzikarara panze dzingabiwe nembavha.

4. Donzo rezvaitika/zvanga zvichiitika (participal mood)

a) Vanga vachitamba navana Tineyi kurwizi.

b) Anga achitaura naVaMoyo manjemanje.

c) Tanga tiichimba tose.

5. Donzo rekuudza (indicative/principal mood)

a) Sekuru vauya kuno nhasi.

b) Nyama irikudhura mazuva ano.

c) Nyika ino yakasunungurwa muna 1980.

6. Donzo rokutuma (imperative mood)

Donzo iri rinosiyana pakuumbwa kwaro maererano nekushandiswa kwarinenge raitwa.

a) Kutuma/Kurayira munhu mumwe chete kana kana munhu wausingaremekedzi.Sokuti:

i) Taurai ibva  ipapo nekukurumidza.

ii) Sahwira inwa doro iri.

iii) Mukuwasha enda nokoko.

b) Kutuma kana kurayira vanhu wakawanda kana munhu waunoremekedza. Sokuti:

i) Varume taurai henyu tinzwe nyaya yenyu.

ii) Baba namatai tidye.

iii) Mudzidzisi tiudzei nezvehumambo wekudenga.

Pakutuma kana kurayira vanhu vakawanda tinoshandisa vara (-i) kupedzisa chiito.

c) Manzwi okutuma kana kurayira anogona kushandurwa kuti apikise zvataurwa.

Imbai/imba                                                                                         musaimbe/usaimbe

Tambai/tamba                                                                                    musatambe/usatambe

7. Donzo redudziramuiiti/muitirwi (relative mood)

a) Vana vasingaverenge mabhuku vanofoira.

b) Vanoita choupombwe vachafa nechirwere.

c) Mwari haadi vanhu vanodada.

8. Donzo rechishuwo (subjunctive mood)
a) Ndaida kuti vaende kuHarare.
b) Ndinoda kuti upone upinde muumambo hwaMwari
c) Mwari anoda kuti muende kudenga.