notebook_lawn

Zwisiso (Comprehension)

Pabvunzo dzegore roga roga kunouya mubvunzo weNzisiso kupepa rekutanga reShona. Mubvunzo uyu unenge uine mamakisi makumi matatu

[30] tichibatanidza nemamakisi gumi [10] epfupiso.

Kunze kwepfupiso Nzwisiso ibvunza mibvunzo pamusoro pendima inenge yakapihwa. Pane mhando dzakasiyana siyana dzemibvunzo inouya kuNzwisiso kusanganisira inotevera:

a) Mibvunzo inoda mhinduro iri mundima yakapiwa sokuti: ” Zita remunyori wenyaya iyi ndiani?” Iro Zita racho rinenge rakapiwa mundima kare. Kana kuti, ” Nyaya iyi yakaitikira kupi?” Mibvunzo iyi hainyanyorema izvi zvinobva zvabuditswawo pachena nemamakisi anowanzopihwa pamhinduro yoga yoga. Kazhinji mibvunzo iyi ine makisi imwe chete (1 Mark).

b) Mibvunzo inoda kuti utsanangure manzwi, zvidimbu zvezvirevo kana kuti mitsara yakazara uchibuditsa pachena kuti inorevei sekushandiswa kwazvinenge zvaitwa mundima. Mibvunzo iyi inowanzowa nemamakisi maviri (2 Marks) kana kudarika pamhinduro yoga yoga.

c) Mibvunzo inoda mhinduro dzisiri mundima yakapiwa sokuti: “Ipa nyaya iyi musoro unokodzera.” Mibvunzo yakadai inogona kuwa nemamakisi akawanda kana mashoma zvichienderana nokuti mhinduro iri kutsvagwa ingada kufunga zvakanyanya sei.

d) Mibvunzo inoda kuti upe manzwi ari mundima anoenderana neakadomwa mumubvunzo. Sokuti: ” Tipe inzwi riri mundima rioenderana nerokuti shave.” Mamakisi anosiyana zvichienderana nekuoma kwemubvunzo.

Mhando dzeNzwisiso

Kubvunzo dze”O”Level Shona kune mhando mbiri dzeNzwisiso:

a) Zvidimbu zvendima dzakabva mumabhuku enganonyorwa (novels) dzinenge dzakanyorwa senhoroondo (prose) dzoteverwa nemibvunzo inenge ichida kupindurwa yacho. Dzimwe nguva nhoroondo idzi dzinenge dzakagadzirirwa bvunzo chete dzisina kutorwa mune mamwe mabhuku asi dzingori nyaya pfupiwo zvadzo. Idzi ndidzo mhando dzeNzwisiso dzinowanzouya mubvunzo.

b) Asi kunewo dzimwe Nzwisiso dzinenge dzakatorwa munenduri (anthology) dzeChiShona dzinouya dzakanyorwa senhetembo (poems) dzozoteverwa nemubvunzo. Kazhinji nhetembo idzi dzinenge dziri dzekurondedzera nyaya kunyangwe zvazvo dzichinge dziri nhetembo.

Zvakakosha paNzwisiso

Hazvinei kuti vasangana nemhando ipi yeNzwisiso nhetembo kana nhoroondo chakanyanyokosha ndechekuti uverenge nyaya inenge yakapihwa uinzwisise ugopindura mibvunzo yose inenge yakapiwa nenguva yakatarwa-ndokusaka ichinzi nzwisiso. Unofanira kunzwisisa!

Kazhinji kacho semudzidzi weShona unenge vakaverenga mabhuku eShona akavanda zvekuti zvinotogona kuitika kuti Nyaya iyi unenge vakatoiverenga mubhuku racho chairo zvizere pasina kudimburirwa kwainenge yaitwa mubvunzo. Chenjera kuti upindure mibvunzo yako nezviri munyaya yakapiwa mumubvunzo chete usade kushamisira uchitsangaura zvimwe zvavakaverenga mubhuku, hazvikubatsiri kana nepaduku pose, kazhinji zvinotokuita kuti udofore pabvunzo yacho!

Zvimwewo zvakakosha pakupindura bvunzo yeNzwisiso ndezvizvi:

a) Usangodzokorodze ndima yawakapiwa yakadaro mumhinduro yako. Pindura mibvunzo yakabvunzwa.

b) Tanga vaverenga mibvunzo usati vatanga kuverenga nyaya yacho. Mushure mekunge vaverenga mibvunzo chinyatsoverenga nyaya yacho usati vatanga kupindura mibvunzo iyi. Edza kuverenga nyaya iyi kaviri kana katatu vozopindura mibvunzo.

c) Ipa mhinduro pfupi uchinanga zvinodiwa kwete kutanga vabvotomoka kana kudzokorodza mubvunzo wacho kana kupoterera.

d) Pindura mibvunzo yako sekurongwa kwayakaitwa usati watanga nevokutanga woenda kune vechina vodzoka kune wechipiri.

e) Nhamba mhinduro dzako zvakanaka uchinyatsotarisisa kuona kuti nhamba dzemubvunzo dzirikuringana nemhinduro dzavapa here hazvibatsiri kugona kupindura mibvunzo votadza nokuti hauna kuisa nhamba chaidzo.

f) Siya mutsetse pakati pemhinduro yoga yoga kuti basa rako risanetsa kuverenga.