
| Chiito chisina rebeso | Chine Rebeso | Rebeso yacho |
|---|---|---|
| kumona | kumononora | -onor- |
| kuroya | kuroyonora | -onor- |
| kusunga | kusungunura | -unur- |
| kuronga | kurongonora | -onor- |
| kunama | kunamanura | -anur- |
| kupeta | kupetenura | -enur- |
Mienzaniso tichishandisa zvirevo zvakazara.
- Vari kurongonora matanda kubakwa rehuni.
- Endai nawo kundosunungura tambo yacho.
- Regedza kunamanura mapepa iwayo.
- Murume uye akapetenura bepanhau ndokutanga kuriverenga.
| Chiito chisina rebeso | Chine Rebeso | Rebeso yacho |
|---|---|---|
| kucheka | kuchekerera | -erer- |
| kupinda | kupindirira | -irir- |
| kutuka | kutikirira | -irir- |
| kuenda | kuenderera | -erer- |
Tichishandisa mienzaniso yezvirevo zvakazara.
- Arikifunira kuenderera mberi nezvaanga achiita kana achida kuwirirana neni.
- Mukadzi uye anotukirira wena.
- Chekerera pamwe chete.
| Chiito chisina rebeso | Chine rebeso | Rebeso yacho |
|---|---|---|
| kudzoka | kudzokorora | -oror- |
| famba | famburura | -urur- |
| kudyara | kudyarurura | -urur- |
| kudzima | kudzimurura | -urur- |
Mienzaniso tichishandisa zvirevo zvakazara.
- Vanofanira kudzokorora pese pavarima.
- Vashandi vakadzimurura moto.
| Chiito chisina rebeso | Chine Rebeso | Rebeso yacho |
|---|---|---|
| kuunga | kuungana | -an- |
| kupeta | kupetana | -an- |
Mienzaniso tichishandisa zvirevo zvizere
- Vanhu vakaungana pamwe chete.
- Bepa rakapetana nekuda kwekunaiwa nemvura.
Zviito zvakarebeswa kakawanda
Dzimwe nguva mukutaura kwaVaShona chiito chinogona kushandiswa chiine rebeso dzakawanda. Sokuti:
| Chiito | Rebeso Dzacho |
|---|---|
| kutaura | kutaurirana (rebeso yekuitira + yekuitirana zvakafanana) |
| kurova | kurovesana (yekonzero+ yekuitirana zvakafanana) |
| kurukura | kukurukuriranwa ( yekuitira+yekuitirana zvakafanana+ yekuitwa) |
Mienzaniso tichishandisa zvirevo zvizere:
- Vanofira kutaurirana.
- Panga pachikurukuriranwa pakati pevarume awa.