note_book

Chindori (Copulative)

Zvinogoneka muChiShona kuti munhu ataure chirevo chakazara asingashandise chiito. Izvi zvinogoneka tichishandisa mavara anonzi zvindori. Vamwe vanamuzvinafundo weShona vanodaidza mavara aya kuti zviwedzera zvezvirevo zvisina zviito pachirungu mavara aya ose anonzi macopulatives. 

Mhando dzezvindori

1. Chiwedzera /ndi-/ chinogona kushandiswa kuvaka zvindori semienzaniso inotevera:

a) Kushandura mazita ari mumupanda 1a, 2a ne 2b kuti ave zvindori sekuti:

ndi- baba vaTinei                                     ndi- vatete vaChamunorwa

ndi-sahwira wake                                     ndi -mbuya wedu

ndi-Chamunorwa uyo                             ndi-vaMoyo vauya

b) chiwedzera ichi chinogonawo kushandaswa kushandura zvisazitasingwi zvose kuiita zvindori sokuti:

ndi-ye                                                     ndi-ni

ndi-po                                                    ndi-hwo

ndi-ro                                                    ndi-wo

c) Chiwedzera /nda-/ chonobatanidzwa

i) nemazita arimumupanda 2a ne2b sokuti

nda-ambuya wedu                                      nda-VaMoyo

ii) nezvisarudzi (maselectors), zvin’an’anuri (maenumaratives) nezviratidzi(mademonstratives) zvemumipanda 2 ne6 sokuti:

nda-mamwe marudzi (chiverengo,6)

nda-vaye vanodanana (chin’an’anuri,2)

nda-aya magaka  (chiratidzi,6)

d) Chiwedzera /nde-/ kana chiwedzera /ndo-/ chinobatanidzwa nezvidudziramazita zvose kuti zviwe zvindori. Sokuti:

Nderamai vari mumota umo. (chirevamwene)

Ndodzose here idzi? (chirewauwandu)

Ndeuyo mutema. (chiratidzi)

Nderimwe racho (chin’an’anuri)

2. Chiwedzera /i-/ chinobatanidzwa nemazita nezvipauro zvemupanda 5,9 ne10 kuti zviite zvindori sokuti:

Ijira rangu iri. 5

Imombe dzake idzi. 9

Imbwa dzavo idzi. 10

3 Hwidzazwi kana kuti High tone inoshandiswa pamazita nezvipauro zvinezvivakashure zvinoonekwa kusiya kwezviri mumipanda 2a (Va-) ne 2b (a-) sokuti:

Mukadzi!                                                      Imbwa iyo!

Huroyi uhwu                                               Mutema uyu!

4. Zviwedzera /ha-/, /he-/ na/ho-/ zvinobatanidzwa nezviratidzi nezvin’an’anuri sokuti.

ho-yo simu toro. (chiratidzi)

ha-ano mashoko. (chisarudzi)

he-uno (chiratidzi)