notebook_open

Chiito (Verb)

Zviito manzwi anobuditsa pfungwa yekuita sokuti:

kusvetuka, kuba, kumhanya, kutora, batsiranai, tauriranai, usarambe.

Kune mhando dzezviito dzakati wandei muChishona asi mhando dzose idzi dzakafanana pakuumbwa kwadzo nekuti dzine mudzi.

Maumbirwo ezviito

Zvivakashure-        + mudzi (vamwe vanyori vanouti dzitsi)           +       zvivakamberi

a) Zvivakiso zvose zvinoenda kuruboshwe rwemudzi zvinonzi zvikashure sokuti:

va-cha-b-a

ku-end-a

Zvivakashure zviripamusoro zvinenge zviri va-,cha-, naku-.

b) Mudzi/dzitsi- vara kana mavara asingashanduki pakuumbwa kwechiito ichi kunyangwe chiito chacho chikavandudzwa nenzira dzakasiyana siyana. Mudzi chinhu chakakosha kwazvo pakuumbwa kwechiito nokuti haushanduki uye unogona kubatanidzwa nemamwe mavara akaita serebeso nezviratidza nguva nemuiti kubuditsa pfungwa dzakasiyana dzechiito.

c)Zvivakiso zvinowanikwa kwekupedzisira kwedzitsi tinozviti zvivakamberi. Zvinosanganisira rebeso dzezviito uyewo nzvowera yokupedzisira.

Nzvovera

Kune mhando nhatu dzenzvovera dzezviito muChishona. Kunoti:

-e                         murove

-i                          haadi

-a                          vakaba

Mhando dzemidzi yezviito

1. Kune zviito zvizere zveChishona zvine midzi yevara rimwechete kana mawara akawanda paChirungu anonzi masimplex radicals. Mienzaniso:

kumhanya                                  -mhany-

kuba                                             -b-

2. Kune zviito zvine midzi yakabva kune mamwe manzwi emutauro weChishona (derived) sokuti:

kusvetuka                                  -svetuk-                                    nyaudzosingwi (svetu)

kupfimbika                                -pfimbik-                                 zita (pfimbi)

kupofomara                                -pofomar-                               zita (bofu)

kupfupika                                    -pfupik-                                  chipauro(pfupi)

3. Kune zviito zviri muChishona zvakabva kune mimwewo mitauro kunyanya Chiringu (adopted/borrowed verbs)

kuchipa                                            -chip-                                  cheap

kuvhota                                              -vhot-                                 vote

4. Midzi inogona kushandiswa yakapetwa kaviri sokuti:

kufambafamba                                  -famb-famb-

kutambatamba                                   -tamb-tamb-

5. Midzi inogona kuwedzerwa nerebeso dzakasiyanasiyana.