Image credit contest-corner.com

Image credit contest-corner.com

ZIMSEC O Level Shona Notes: Kuumbwa kwemibvunzo paChishona

  • Kunenzira dzakati wandei dzinoshandiswa pakuumba mibvunzo paChishona.
  • Nzira dzacho ndedzidzi:

1. Kushandisa /-ngani?/ kanakut /-nganai?/

Sokuti: Mombe dzako ingani?

              Zvakaitika runganai?

2. Kushandisa /-pi/

Sokuti: Vaenda nekupi?

3. Kushandisa /-su/

Sokuti: Hauzivisu kuti mukomana wake?

4. Kushandisa /-i?/ kuchiManyika kunoshandiswa /-nyi?/

Sokuti: Vati marinyi?

5.  Kushandisa /-ngei?/ kana /-nei?/ kana /-ngenyi?/ kana nemhaka yei uyewo dzimwe nguva hwai (kubva pana why wekuChirungu)

Sokuti: Ngenyi asina kuuyaba?
Nemhaka yei asina kuuya?
Nei asina kuuya?
Hwai asina kuuya?

6. Kushandisa dii? kana -di

Sokuti: Vakangwara, di?
Ndozvaunoita kana vapfuma, dii?

7. Kushandisa kanhi kana kani

Sokuti: Hausikuda kani?

8. Kushandisa -ani/-ani?

Sokuti: Mukomana waani uyu?
Auya nani?

9. Kushandisa nhai?

Sokuti: Nhai zvenyu imi?

10. Kushandisa -ko?

Sokuti: Makadiiko?

11. Kushandisa /ko-/

Sokuti: Ko, munofara?

12.Kushandisa riini? kana rinhi?

Sokuti: Zvakaitika riini?

13. Hwidzazwi /H/. Izvi zvinowanzoitwa painzwi rekupedzisira.

Sokuti:Vati murume?
             Vatodzokera?

Enda papeji reShona Notes kuti udzidze zvimwe.