notebook_10

Chisarudzi/Chin’an’anuri (Selector)

Zvidudziramazita zvinoburitsa pfungwa yokusarudza kana kun’an’anura zvinhu kubva pane zvimwe:

Gore rino kune nzara.

Murume uye ave kupenga.

Murume upi vaurikutaura?

Madzitsi echisarudzi

a) /-no/ Dzitsi iri rinoburitsa pfungwa yokuva pedyo kana kukomberedza.

Dunhu rino rakabudirira chaizvo.

Svondo rino tirikusangana kwaMutare.

b) /-ye/ kana /-ya/ Dzitsi iri rinobuditsa pfungwa dzechinhu chambotaurwa asi chisiri kuonekwa. Chinhu chacho chinenge chichizivikanwa nevanhu vari kutaura.

Murume uya/uye anenharo.

N’anga iye/iya yakasungwa.

c) /-pi/ Dzitsi iri rinobuditsa pfungwa youkubvunza sokuti:

Urikutaura vapi vacho?

Aenda kupi murume wacho?

 

Maumbirwo echisarudzi

Chisarudzi chakaumbwa sekudai:

Chivakashure chechisarudzi+ dzitsi rechisarudzi

chi-                                                    -pi

u-                                                        -pi

va-                                                      -ye