
Chisazitasingwi (Pronoun)
Chisazitasingwi inzwi rinomirira kana kushanda panzvimbo yezita patinenge tichitaura. Sokuti:
Iye ane mari yangu.
Icho chikoro chacho chimbori kupi?
Dzimwe nguva tinogona kushandisa chisazitasingwi nezita racho. Sokuti:
Iyo $5 yacho aiisa pai?
Iye Taurai haanzwiwo mhani!
Kuumbwa kwezvisazitasingwi
Zvisazitasingwi zvinoumbwa maererano nemipanda yemazita azvinomirira. Mupanda mumwe nomumwe unechisazitasingwi chinoumirira uye chinogona kushandiswa nemazita ose omupanda uyu.
| Mupanda | Chisazitasingwi |
|---|---|
| 1 | iye |
| 2 | ivo |
| 3 | iwo |
| 4 | iyo |
| 5 | iro |
| 6 | iwo |
| 7 | icho |
| 8 | izvo |
| 9 | iyo |
| 10 | idzo |
| 11 | irwo |
| 12 | iko |
| 13 | itwo |
| 14 | ihwo |
| 15 | ipo |
| 16 | iko |
| 17 | iko |
| 18 | imo |
| 19 | isvo |
| 21 | iro |
Zvisazitasingwi zvose zvinotanga nevara rimwe chete /i-/. Vara iri rinodaidzwa kuti chitsigiri (stabiliser). Pane dzimwewo nguva chisazitasingwi chinimorira mupanda wezita, maumbirwo acho anowirirana nechivakashure chemupanda wemazita vachinomirira sokudai:
| Mupanda | Chisazitasingwi | Chivakashure chezita |
|---|---|---|
| 2 | i-v-o | va- |
| 7 | i-ch-o | chi- |
| 8 | i-zv-o | zvi- |
| 11 | i-rw-o | rw- |
| 12 | i-k-o | ka- |
| 13 | i-tw-o | twu- |
| 14 | i-hw-o | hw- |
| 15 | i-k-o | ku- |
| 16 | i-p-o | pa- |
| 17 | i-k-o | ku- |
| 18 | i-m-o | mu- |
| 19 | i-sv-o | svi- |
| 21 | i-r-o | zi- |
Maumbirwo
Vara rekutanga rekutsigisa (Chitsigisi) + chiratidzabato + nzvowera -o
sokuti: i-+ -v- +-o