leather_notebook

Pfupiso (Summary)

Pamubvunzo weNzwisiso panenge paine mubvunzo wepfupiso unenge uine mamakisi gumi

[10]. KuShona kune mhando mbiri dzepfupiso inonzi paChirungu precis neinonzi summary. Hazvinyanyokoshi kuti uzive mutsauko uri pakati pepfupiso mbiri idzi. Zvakakosha pakupindura mubvunzo wepfupiso ndeizvi:

a) Nyatsoverenga mubvunzo uzive zvaurikuda kuti upfupikise chaizvo. Kunyangwe zvazvo mibvunzo yepfupiso isingavanzo shanduka usachimbidze kupindura mubvunzo uyu usina kuuverenga. Kunyanya tarisa kuti urikuda kunzi upfupikise nyaya yose here kana kuti chidimbu chenyaya kubva pane ndima dzakatarwa.

b) Verenga nyaya yaurikunzi upfipise yacho uchinyora pfungwa hombe dziri mairi parutivi.

c) Nyora pfupiso yacho uchishandiswa manzwi ava nyora parutivi aya.

d) Unofanira kupfupikisa ndima huru dziri munyaya kwete kupfupikisa ndima imwe naimwe kana chirevo choga choga sezvatinoita kubvunzo dzepfupiso dzeChirungu.

e) Pfupiso yako yokutanga kazhinji inenge iine manzwi akawandisa pane akatarwa mumubvunzo wepfupiso iyo inowanza kuda kuti ipundirwe memanzwi makumi mana [40] kana mashoma. (Cherechedza manzwi ari kudikanwa nemubvunzo sezvambotaurwa mundima a) pamusoro usangogara vafunga kuti pfupiso inoda manzwi 40). Rangarira kucheka (cross out) nyaya yokutanga.

f) Chinyora pfupiso yako uchishandisa ndima yepfupiso yaunenge vagadzira pa e).

-Shandisa manzwi ako pachako kwete kukoponora ari mundima sezvaari.

-Kana paine manzwi ekutaura (direct speech) shandisa manzwi ako iwe ari ekumhan’ara (indirect speech)

-Edza kushandisa manzwi mashoma anogona kutsiva akawanda kana pakanzi “mombe, mbudzi, hwai nemadhongi” iwe iti “zvipfuwo.”

-Shandisa manzwi ekubatanidza zvirevo(discourse markers and conjuctions) kuti usare mamwe manzwi.

g)Pfupiso inonyorwa sendima imwe chete (one paragraph)

h) Yambuka mutsara wonyora manzwi awashandisa pakunyora pfupiso yako woaputira sokuti. [Manzwi 40]. Zvakakosha kuziva kuti kana wanzi manzwi 40 manzwi ako anofanirwa kuve pakati pe 35 ne44. Ukadarikidza zvinoreva kuti pane zvavanyora zvisina basa akaita mashoma zvinoreva kuti pane zvasara.