ZIMSEC O Level Shona Notes: Kuumbwa kwemibvunzo paChishona
- Kunenzira dzakati wandei dzinoshandiswa pakuumba mibvunzo paChishona.
- Nzira dzacho ndedzidzi:
1. Kushandisa /-ngani?/ kanakut /-nganai?/
Sokuti: Mombe dzako ingani?
Zvakaitika runganai?
2. Kushandisa /-pi/
Sokuti: Vaenda nekupi?
3. Kushandisa /-su/
Sokuti: Hauzivisu kuti mukomana wake?
4. Kushandisa /-i?/ kuchiManyika kunoshandiswa /-nyi?/
Sokuti: Vati marinyi?
5. Kushandisa /-ngei?/ kana /-nei?/ kana /-ngenyi?/ kana nemhaka yei uyewo dzimwe nguva hwai (kubva pana why wekuChirungu)
Sokuti: Ngenyi asina kuuyaba?
Nemhaka yei asina kuuya?
Nei asina kuuya?
Hwai asina kuuya?
6. Kushandisa dii? kana -di
Sokuti: Vakangwara, di?
Ndozvaunoita kana vapfuma, dii?
7. Kushandisa kanhi kana kani
Sokuti: Hausikuda kani?
8. Kushandisa -ani/-ani?
Sokuti: Mukomana waani uyu?
Auya nani?
9. Kushandisa nhai?
Sokuti: Nhai zvenyu imi?
10. Kushandisa -ko?
Sokuti: Makadiiko?
11. Kushandisa /ko-/
Sokuti: Ko, munofara?
12.Kushandisa riini? kana rinhi?
Sokuti: Zvakaitika riini?
13. Hwidzazwi /H/. Izvi zvinowanzoitwa painzwi rekupedzisira.
Sokuti:Vati murume?
Vatodzokera?
Enda papeji reShona Notes kuti udzidze zvimwe.