Chirewauwandu (Quantitave)
Chirewauwandu inzwi rinotsanangura zveuzhinji kana zvekushomeka kwechinhu kana zvinhu. Sokuti:
mbudzi dzose (mbudzi zhinji, dzakawanda, pasina kana yasarira)
manzwi ako omene (manzwi ako asina kuwedzerwa)
Maumbirwo echirewauwandu
Chirewauwandu chinoumbwa sezvizvi:
chivakashure/chiwedzera chechirewauwandu (quantitative prefix) + vararinoshanduka (quantitative stem) +dzitsi
Muenzaniso
zv- + -o- + -se zvose
tw- + -e- + -se twese
v- + -o- + -mene vomene
r- + -e- + -ga rega
Madzitsi echirevauwandu
Chirewauwandu chine mhando nhatu dzemadzitsi
1) -se (rinoshandiswa kubuditsa pfungwa yekuti hapana chinosara) Sokuti:
a) Tose takaenda kuguta nemotokari.
b) Usiku hwose arara achichema.
2) -ga (Dzitsi iri rinoshanda kuratidza chinhu/munhu mumwechete.) Sokuti:
a) Ini ndoga ndini ndinobvumidzwa kuita izvozvo.
b) Imbwa yega ndiyo inorara panze.
3) -mene (Dzitsi iri rinoreva kuti pachako/pachezvake, pauzima, pasina chimwe kana zvimwe zvawedzerwa)
a) Iye omene ndiye auya.
b) Amai vake vomene ndivo vakazvitaura.