Chidudzirazita chinoratidza muridzi (mwene) wechinhu chirikutaurwa nezvacho. Chirewamwene chinowanzowirirana nezita rachirikududzira sokuti:
chikoro chedu
pamba pasekuru
Zvivakashure zvezita ririkududzirwa zvakafanana nezvivakashure zvezvirewamwene zvacho.
Asi dzimwenguva zvinogona kusadaro sokuti:
murume wake
mapadza avasekuru
Muenzaniso wekupedzisira pamusoro unoratidza kuti tinogona kushandura zita kuti riite chirevamwene: a- + vasekuru. Mawara anoshandiswa kushandura zita kanazvidudzira mazita kuiita zvirevamwene anonzi zvivakashure zvezvirevamwene (possessive concords). Mimwe mienzaniso yekushandiswa kwemazita nezvidudziramazita kuumba zvirevamwene.
Mwana wa-sekuru
Chikoro cha-vakuru
Motokari dze-hurumende
Nyika ye-Zimbabwe
Jira ra-vo
Mumienzaniso iri pamusoro tashandisa mazita okuti sekuru, hurumende naZimbabwe, chisazitasingwi ivo nechipauro vakuru kuti tigadzire zvirevamwene.
Maumbirwo echirevamwene
Kune mhando mbiri dzezvirevamwene muChiShona dzinoti chirewamwene chinoratidza muridzi wechinhu nechirevamwene chinotsanangura chinhu. Kuumbwa kwazvo kwakafanana:
Chiwedzera chechirevamwene+ -a-(vara rinoshanduka) +-dzitsi rechirevamwene.
Sokuti:
w-+-a-+-sekuru= wasekuru
y-+-e-+-Zimbabwe
Tinogona kushandisawo zviito sedzitsi rechirevamwene sokuti:
re-+-kuchekesa nyama
cho-+-kurovesa vanhu
Mhando dzezvirevamwene
1. Chirevamwene chinoratidza muridzi wechinhu.
Pane mando mbiri sezvizvi:
a) Boka rinoshandisa mazita semadzitsi sokuti:
ch- +-o-+-vakomana avo (chiwedzera chechirevamwene+zita+chiratidzi)
b)Boka rine madzitsi akaumbwa nezvisazitasingwi sekuti:
rw-+-e-+-du zv-+-a-+-dzo tw-+-a-+-ngu
2. Zvirevamwene zvinotsanangura chinhu
a) Zvinoratidza mhando yechinhu: sokuti: mwana wechikoro, dare redzimhosva
b) Zvinoratidza basa rechinhu: sokuti: banga rechingwa, demo rekutemesa
c) Zvinoratidza chakagadziriswa chinhu: sokuti: doro rezviyo, ndiro ye muti
d) Zinoratidza chinogara chinhu sokuti:dura remabhuku kana saga reupfu
e) Zvinoratidza nzvimbo sokuti: kwaZvimba (dunhu raIshe Zvimba), maMutasa (dunhu raIshe Mutasa)
f) Zvinoratidza muridzi sokuti:
i) Chiwedzera sa- (Chinobatanidzwa nemazita emupanda 1a,3,5 ne9) sokuti sa-musha (3), sa-zita (5) sa-chigaro (1a) nasa-imba (9)
ii) Chiwedzera nya- chinobatanidzwa nemazita emupanda 15 sokuti: nya-kurova
iii) Chiwedzera -zvina- chinobatanidzwa nemazita emumupanda 1,2,3,4,5,6,7,8,9,10,11 ne14 sokuti: mu-zvina-doro, mu-zvina-imba