ZIMSEC O Level Shona Notes: Kupatsanura Zviito
- Chiito chega chega chinogona kupatsanurwa tichibuditsa chidumbu chimwe nechimwe chakachiumba.
- Zvidimbu izvi zvinonzi zvivakiso kana kuti zvivakazwi.
- Chivakazwi chimwe nechichimwe chinenge chiine basa rachinoita pachiito chachinovanikwa.
- Pabvunzo dzeShona panogona kuuya mubvunzo unenge uchida kuti iwe upatsanure chiito uchibuditsa zvivakazwi zvinenge zvakachiumba.
- Unofanira kupatsanura chiito chaunenge wapiwa mumubvunzo uyu uchidoma chivakazwi chimwe nechimwe nezita racho.
- Tarisa mibvunzo iri pazasi yakapihwa semuenzaniso.
- Kunyangwe zvazvo mibvunzo yauchasangana nayo mibvunzo ichinge yakasiyana nemienzaniso iripazasi iyi, maumbirwo echiito chauchasangana nacho anenge asina kunyanyosiyana nemienzaniso iyi.
Mienzaniso
Patsanura zviito zvinotevera uchibuditsa zvivakazwi zvakazviumba:
tiza handidyi vanotaurirana musabe tichavarovesa
vakarongonora rwaichekererwa tairambidzwa inodyika zvamutswa
richapinzika yakabvisika
Mhinduro
a) tiza
-tiz- mudzi wechiito/dzitsi rechiito
-a nzvovera yekupedzisira.
b) handidyi
ha- chivakashure cheranduro/chekuramba
-ndi- chiratidzamuiti
-dy- mudzi wechiito/dzitsi rechiito
-i nzvowera yeranduro (yekuramba) yekupedzisira.
c) vanotaurirana
va- chiratidzamuiti
-no- chiratidzanguva chezvinogaroitika
-taur- mudzi wechiito/dzitsi rechiito
-ir- rebeso yekuitira
-an- rebeso yekuitirana zvakafanana
-a nzvovera yekupedzisira.
d) musabe
mu- chiratidzamuiti
-sa- chivakashure cheranduro
-b- mudzi wechiito/ dzitsi rechiito
-e nzvowera yekupedzisira.
e) tichavarovesa
ti- chiratidzamuiti
-cha- chiratidzanguva chechizvaitika
-va- chiratidzamuitirwi
-rov- mudzi wechiito/dzitsi rechiito
-es- rebeso yekonzero/sakiso
-a nzvovera yekupedzisira
Ona kuti -es- inogona kuita rebeso yekonzero kana kuti sakiso zvichienderana nekuti chirevo chacho chashandiswa zvakaitwa sei. Rebeso yesakiso haigone kudzokororwa sokuti tichavarovesesa inenge iri rebeso yenyanyiso yakadzokorodzwa kaviri.
f) vakarongonora
va- chiratidzamuiti
-ka- chiratidzanguva chezvakaitika
-rong- mudzi wechiito/dzitsi rechiito
-onor- rebeso yepfumvuro/pikisa zvaitwa/nhendeshure (reversive)
-a nzvowera yekupedzisira
g) rwaichekererwa
-rwa- chiratidzamuitirwi
-ai- chiratidzanguva chezvaigaroitika
-chek- mudzi wechiito/ dzitsi rechiito
-erer- rebeso yemherevedzo
-w- rebeso yekuitwa
-a nzvowera yekupedzisira.
h) tairambidzwa
t- chiratidzamuiti
-ai- chiratidzanguva chezvaigoritika
-ramb- mudzi wechiito/dzitsi rechiito
-idz- rebeso yekonzero
-w- rebeso yekuitwa
-a nzvowera yekupedzisira
i) inodyika
-i- chiratidzamuitirwi
-no- chiratidzanguva chezvinogonakuitika
-dy- mudzi wechiito/dzitsi rechiito
-ik- rebeso yegoneko/kwaniso
-a nzvowera yekupedzisira.
j) zvamutswa
-zv- chiratidzamuitirwi
-a- chiratidzanguva chezvabvakuitika
-mu- mudzi wechiito/dzitsi rechiito
-ts- rebeso yekonzero
-w- rebeso yekuitwa.
-a nzvowera yekupedzisira.
k) richapinzika
-ri- chiratidzamuitirwi
-cha- chiratidzanguva chezvichaitika
-pi- mudzi wechiito/dzitsi rechiito
-nz- rebeso yekonzero
-ik- rebeso yekwaniso/goneko
-a nzvowera yekupedzisira
k) yakabvisika
y-/ya- chiratidzamuiti
-ka-/-aka- chiratidzanguva chezvakaitika
-bv- mudzi wechiito/ dzitsi rechiito
-is- rebeso yesakiso/konzero
-ik- rebeso yegoneko/kwaniso
-a nzvowera yekupedzisira
Enda papeji reShona Notes kuti udzidze zvimwe.